24 "Muteerere mirayiro iyi ive mitemo kwamuri nokuzvizvarwa zvenyu nokusingaperi. 25 Pamunopinda munyika yamuchapiwa naJehovha sezvaakavimbisa, mucherechedze chirevo ichi. 26 Uye pamuchabvunzwa navana venyu vachiti, ‘Zvinoreveiko izvi kwamuri?’ 27 Ipapo muvaudze kuti, ‘Ndicho chibayiro chePasika yaJehovha, uyo akapfuura napadzimba dzavaIsraeri muIjipiti akaponesa dzimba dzedu paakarova vaIjipita.’ " Ipapo vanhu vakapfugama vakanamata.