Pular para o conteúdo
Publicidade

Ekisodho 2

5 Ipapo mwanasikana waFaro akaburuka akaenda kurwizi Nairi kuti andoshamba, uye varandakadzi vake vakanga vachifamba vachitevedza mahombekombe. Akaona tswanda pakati petsanga ndokubva atuma murandakadzi wake kuti andoitora. 6 Akaizarura akaona mwana. Akanga achichema, uye akamunzwira tsitsi. Akati, "Uyu ndomumwe wavana vavaHebheru."

7 Ipapo hanzvadzi yake yakakumbira mwanasikana waFaro ikati, "Ndingaenda here ndikandokutorerai mumwe wavakadzi vechiHebheru kuti azokurererai mwana?"

8 Uye mwanasikana waFaro akapindura akati, "Hongu." Uye musikana akaenda akandotora mai vomwana. 9 Mwanasikana waFaro akati kwavari, "Tora mwana uyu unondirererawo, uye ini ndichakupa muripo wako." Saka mukadzi akatora mwana akamurera.

Veja também