Pular para o conteúdo
Publicidade

Ekisodho 25

Areka

10 "Uite kuti vaite bhokisi ramatanda omuunga, rakareba makubhiti maviri nehafu25:10 mamita angaita 1.1, upamhi kubhiti nehafu25:10 0.7 yemita, uye kubhiti nehafu pakukwira. 11 Murifukidze negoridhe rakaisvonaka, mukati nokunze, uye muite hata yegoridhe yakaripoteredza. 12 Muiumbire mhete ina dzegoridhe mugodzisungira pamakumbo aro mana, nemhete mbiri pano rumwe rutivi uye mhete mbiri kuno rumwe rutivi. 13 Ipapo mugoita matanda omuunga uye negoridhe. 14 Muise matanda aya mukati memhete dziri parutivi rwebhokisi kuti mutakure bhokisi nawo. 15 Matanda anofanira kugara ari mumhete dzebhokisi iri; haafaniri kubviswa. 16 Ipapo mugoisa muareka chipupuriro, chandichakupai.

17 "Muite chifunhiro chokuyananisa chegoridhe rakaisvonaka, makubhiti maviri nehafu25:17 mamita angaita 1.1 pakureba uye kubhiti nehafu25:17 0.7 yemita paupamhi. 18 Uye muite makerubhi maviri egoridhe rakapambadzirwa kumacheto echifunhiro. 19 Muite kerubhi rimwe chete kuno rumwe rutivi uye kerubhi rechipiri kuno rumwe rutivi; muite bandi rimwe chete rekerubhi nechifukidzo, pamativi maviri. 20 Mapapiro amakerubhi anofanira kutambanudzirwa kumusoro, akafukidzira chifunhiro. Makerubhi anofanira kutarisana, akatarira kuchifunhiro. 21 Muise chifunhiro pamusoro peareka uye mugoisa muareka, Chipupuriro chandichakupai.

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.

Veja também