Bhezareri naOhoriabhu
1 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, 2 "Tarira ndasarudza Bhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, 3 uye ndamuzadza noMweya waMwari, nouchenjeri, nokugona nokuziva mhando dzose dzoumhizha, 4 kuita unyanzvi hwebasa regoridhe, sirivha nendarira, 5 kuveza nokuronga mabwe, kushanda pabasa rokuveza matanda, nokubata mumhando dzose dzoumhizha.