Pular para o conteúdo
Publicidade

VaFiripi 2

Kupenya seNyeredzi

12 Naizvozvo, shamwari dzangu dzinodiwa, sezvamunogara muchiteerera, kwete ndiripo bedzi, asi zvino zvikuru ndisipo, rambai muchishandira ruponeso rwenyu nokutya nokudedera, 13 nokuti ndiMwari anoshanda mukati menyu kuti mude uye muite maererano nokuda kwake kwakanaka.

14 Itai zvose musinganyunyuti kana kukakavara, 15 kuitira kuti mugova vasina chavangapomerwa uye vakachena, vana vaMwari vasina mhosva murudzi urwu rwakakombama uye rwakatsauka, rwamunovhenekera senyeredzi munyika 16 sezvamunobatirira pashoko roupenyu, kuitira kuti ndigozvirumbidza pazuva raKristu uye kuti handina kumhanya kana kushanda pasina.

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.

Veja também

Filipenses
Ver todos os capítulos de Filipenses