24 Zvinhu izvi zvinofananidzira, nokuti vakadzi ava vanomirira sungano mbiri. Imwe sungano inobva paGomo reSinai uye inobereka vana vanofanira kuva nhapwa: Ndiye Hagari. 25 Zvino Hagari anomirira Gomo reSinai muArabhia uye rakaenzana neguta reJerusarema razvino, nokuti riri pautapwa navana varo. 26 Asi Jerusarema riri kumusoro rakasununguka, uye ndivo mai vedu.
Publicidade