22 Asi mauya kuGomo reZioni, kuJerusarema rokudenga, guta raMwari mupenyu. Mauya kuzviuru nezviuru zvavatumwa vari paungano yomufaro, 23 kukereke yamatangwe, vane mazita akanyorwa kudenga. Mauya kuna Mwari, mutongi wavanhu vose, kumweya yavanhu vakarurama vakakwaniswa, 24 kuna Jesu murevereri wesungano itsva, uye kuropa rakasaswa rinotaura zviri nani pane raAbheri.
Publicidade
Publicidade