Kugununʼuna kwaHabhakuki
2 Haiwa Jehovha, ndicharamba ndichidanidzira, ndichitsvaka rubatsiro kusvikira riniko,
asi musingandinzwi?
Kana kudana kwamuri ndichiti, "Ndorwiswa!"
asi hamundiponesi?
3 Sei muchiita kuti ndione kusaruramisira?
Sei muchirega zvakaipa zvichingoitwa?
Kuparadza nokuita nechisimba zviri pamberi pangu;
pano kukakavara, uye kurwa kuri kuwanda.