Pular para o conteúdo
Publicidade

Johani 12

Jesu Anogamuchirwa muJerusarema

12 Zuva rakatevera ungano huru yavanhu vakanga vauya kuMutambo yakanzwa kuti Jesu akanga ari munzira achiuya kuJerusarema. 13 Vakatora mapazi emichindwe vakaenda kundosangana naye, vachidanidzira vachiti:

"Hosana!

"Akaropafadzwa uyo anouya muzita raShe!

"Akaropafadzwa Mambo weIsraeri!"

14 Jesu akati awana mhuru yembongoro, akagara pamusoro payo, sezvazvakanyorwa zvichinzi:

15 "Usatya iwe Mwanasikana weZioni;

tarira, mambo wako ari kuuya,

akagara pamusoro pemhuru yembongoro."

16 Vadzidzi vake havana kuzvinzwisisa pakutanga. Vakazoyeuka shure kwokunge Jesu apinda mukubwinya kwake, kuti zvinhu izvi zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake, uye kuti vakanga vaita izvozvo kwaari.

17 Zvino vanhu vazhinji vakanga vanaye paakadana Razaro kubva muguva uye akamumutsa kubva kuvakafa vakaramba vachiparadzira shoko iri. 18 Vanhu vazhinji vakabuda kundosangana naye nokuda kwokuti vakanga vanzwa kuti akanga aita chiratidzo ichi. 19 Saka vaFarisi vakataurirana vakati, "Onai, hakuna kwatinosvika nazvo izvi. Tarirai kuti nyika inomutevera sei!"

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.

Veja também