13 Uye ndichaita zvose zvamunokumbira muzita rangu, kuitira kuti Mwanakomana avigire Baba kukudzwa. 14 Kana mukakumbira chinhu chipi zvacho muzita rangu, ndichachiita.
Jesu Anovimbisa Mweya Mutsvene
15 "Kana muchindida, muchateerera zvandinokurayirai. 16 Uye ini ndichakumbira Baba, vagokupai mumwe Munyaradzi kuti agare nemi nokusingaperi,