Pular para o conteúdo
Publicidade

Johani 20

Jesu Anozviratidza kuVadzidzi Vake

19 Madekwana ezuva rokutanga revhiki, vadzidzi pavakanga vari pamwe chete, mikova yakazarirwa nokuda kwokutya vaJudha, Jesu akauya akasvikomira pakati pavo akati, "Rugare ngaruve kwamuri!" 20 Shure kwokutaura izvi, akavaratidza maoko ake naparutivi pake. Vadzidzi vakafara zvikuru pavakaona Ishe.

21 Jesu akatizve kwavari, "Rugare ngaruve kwamuri! Sezvo Baba vakandituma, ndiri kukutumaiwo." 22 Uye adaro akavafemera akati, "Gamuchirai Mweya Mutsvene. 23 Kana muchiregerera ani zvake zvivi zvake, zvicharegererwa; kana musingavaregereri, havaregererwi."

Veja também