Pular para o conteúdo
Publicidade

Johani 3

3 Jesu akapindura akati, "Ndinokuudza chokwadi, hakuna munhu angaona umambo hwaMwari kana asina kuberekwa patsva."

4 Nikodhimasi akabvunza akati, "Munhu angaberekwa seiko iye ava mukuru? Zvirokwazvo haangagoni kupinda mudumbu ramai vake kechipiri kuti aberekwe patsva!"

5 Jesu akapindura akati, "Ndinokuudza chokwadi, hakuna munhu angapinda muumambo hwaMwari kana asina kuberekwa nemvura uye noMweya. 6 Nyama inobereka nyama, asi Mweya anobereka Mweya. 7 Haufaniri kushamiswa nezvandareva ndichiti, Unofanira kuberekwa patsva.8 Mhepo inovhuvhuta ichienda kwainoda. Unonzwa inzwi rayo, asi haugoni kuziva kwainobva kana kwainoenda. Ndizvo zvakaitawo vose vakaberekwa noMweya."

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.

Veja também