Pular para o conteúdo
Publicidade

João 5

Kuporeswa kwoMunhu paDziva reBhetesdha

1 Shure kwaizvozvo, Jesu akakwira kuJerusarema kumutambo wavaJudha. 2 Zvino muJerusarema mune dziva riri pedyo neSuo raMakwai, rinonzi Bhetesdha nechiHebheru, uye rakapoteredzwa namabiravira mashanu. 3 Imomo vanhu vazhinji vakaremara vaisivatamo, mapofu, zvirema navakafa mitezo. 4 Nguva nenguva mutumwa waShe aiburukiramo achibvongodza mvura. Munhu aitanga kupinda mudziva shure kwenguva ipi zvayo yainge yabvongodzwa mvura aiporeswa pachirwere chipi zvacho chaainge anacho. 5 Mumwe murume akanga arimo akanga arwara kwamakore makumi matatu namasere. 6 Jesu akati amuona avete imomo, uye aiziva kuti akanga aita mararamiro iwayo kwenguva refu, akamubvunza akati, "Unoda kuporeswa here?"

7 Murwere akati, "Ishe, handina munhu anondibatsira kuti ndipinde mudziva mvura painenge yabvongodzwa. Ndichiri kuedza kupinda, mumwe anonditangira."

8 Ipapo Jesu akati kwaari, "Simuka! Tora rukukwe rwako ufambe." 9 Pakarepo murume uyu akaporeswa; akatora rukukwe rwake akafamba.

Zuva rakaitika izvi raiva reSabata.

Veja também