21 Nokuti sezvo Baba vachimutsa vakafa uye vachivapa upenyu, saizvozvo Mwanakomana anopa upenyu kuno uyo waanofarira kuti ape. 22 Pamusoro paizvozvo, Baba havatongi munhu, asi vakapa Mwanakomana kutonga kwose, 23 kuti vose vakudze Mwanakomana sokukudza kwavanoita Baba. Uyo asingakudzi Mwanakomana, haakudzi Baba vakamutuma.
Publicidade
Publicidade