14 Mutambo wakati wava pakati, Jesu ndipo paakazokwidza kutemberi uye akatanga kudzidzisa. 15 VaJudha vakashamiswa uye vakabvunza vakati, "Murume uyu akawana ruzivo rwakadai seiko iye asina kudzidza?"
16 Jesu akapindura akati, "Kudzidzisa kwangu hakuzi kwangu pachangu. Kunobva kuna iye akandituma. 17 Kana munhu akasarudza kuita kuda kwaMwari, achazoona kuti kudzidzisa kwangu kunobva kuna Mwari kana kuti ndinongotaura ndoga. 18 Uyo anotaura zvake anoita izvozvo kuti azviwanire kukudzwa, asi uyo anoshandira kukudzwa kwaiye akamutuma ndiye munhu wechokwadi; hapana zvokunyengera paari.