Pular para o conteúdo
Publicidade

João 9

Jesu Anoporesa Munhu Akaberekwa Ari Bofu

1 Akati achifamba, akaona murume akanga aberekwa ari bofu. 2 Vadzidzi vake vakamubvunza vakati, "Rabhi, ndianiko akatadza, murume uyu kana kuti vabereki vake, zvaakaberekwa ari bofu?"

3 Jesu akapindura akati, "Hakusi kutadza kwomurume uyu kana kwavabereki vake kwakaita kuti zvidai, asi izvi zvakaitika kuti basa raMwari riratidzwe muupenyu hwake. 4 Kana achiri masikati kudai, tinofanira kubata basa raiye akandituma. Usiku huri kuuya, husina munhu angagona kushanda basa nahwo. 5 Ndichiri munyika, ndiri chiedza chenyika."

6 Akati ataura izvozvo, akapfira mate pasi, akakanya dope namate, uye akariisa pameso omurume uya. 7 Akati kwaari, "Enda undoshamba mudziva reSiroami" (shoko iri rinoreva kuti Kutumwa). Saka murume uya akaenda akandoshamba, akadzoka ava kuona.

Veja também