Ehudhi
12 VaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, uye nokuda kwokuti vakaita zvakaipa izvi, Jehovha akapa simba kuna Egironi mambo weMoabhu kuti akunde Israeri. 13 Egironi akatora vaAmoni navaAmareki kuti vaende naye kundorwisa Israeri, uye vakatora Guta reMichindwe kuti rive ravo.