Kuberekwa kwaJesu kunoziviswa
26 Mumwedzi wechitanhatu, Mwari akatuma mutumwa Gabhurieri kuNazareta, guta riri muGarirea, 27 kumhandara yakanga yatsidzirwa kuwanikwa nomurume ainzi Josefa, chizvarwa chaDhavhidhi. Zita remhandara iyi rainzi Maria. 28 Mutumwa akasvika kwaari akati, "Kwaziwa, iwe wakanzwirwa nyasha zvikuru! Ishe anewe."