28 Mutumwa akasvika kwaari akati, "Kwaziwa, iwe wakanzwirwa nyasha zvikuru! Ishe anewe."
29 Maria akatambudzika zvikuru namashoko ake uye akashamiswa kuti kukwazisa kwakadai ndekworudzii. 30 Asi mutumwa akati kwaari, "Usatya, Maria, iwe wanzwirwa nyasha naMwari. 31 Uchava nomwana uye uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rokuti Jesu.