30 Asi mutumwa akati kwaari, "Usatya, Maria, iwe wanzwirwa nyasha naMwari. 31 Uchava nomwana uye uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rokuti Jesu. 32 Achava mukuru uye achanzi Mwanakomana weWokumusoro-soro. Ishe Mwari achamupa chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi, 33 uye achatonga pamusoro peimba yaJakobho nokusingaperi; umambo hwake hahungatongogumi."
Publicidade
Publicidade