Pular para o conteúdo
Publicidade

Ruka 1

34 Maria akabvunza mutumwa akati, "Ko, izvi zvichaitika seiko sezvo ini ndiri mhandara?"

35 Mutumwa akapindura achiti, "Mweya Mutsvene achauya pamusoro pako, uye simba reWokumusoro-soro richakufukidza. Saka mutsvene achazvarwa achanzi Mwanakomana waMwari. 36 Kunyange hama yako Erizabheti achava nomwana pamazuva okukwegura kwake, uye mwedzi uno ndowechitanhatu kuna iye ainzi asingabereki. 37 Nokuti hakuna chinhu chisingagonekwi naMwari."

38 Maria akati, "Ini ndiri muranda waShe. Ngazviitike hazvo kwandiri sezvamareva." Ipapo mutumwa akabva paari.

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.

Veja também