Rwiyo rwaZekaria
67 Zekaria baba vake vakazadzwa noMweya Mutsvene uye vakaprofita vachiti:
68 "Ishe, Mwari waIsraeri ngaakudzwe,
nokuti akauya akadzikinura vanhu vake.
69 Akatisimudzira runyanga rworuponeso
muimba yomuranda wake Dhavhidhi,
70 sezvaakataura kubudikidza navaprofita vake vatsvene vekare,
71 iko kuponeswa kubva kuvavengi vedu
naparuoko rwavose vanotivenga,
72 kunzwira madzibaba edu ngoni
nokurangarira sungano yake tsvene,
73 mhiko yaakapikira baba vedu Abhurahama:
74 kutinunura kubva muruoko rwavavengi vedu,
uye kutigonesa kuti timushumire tisingatyi,
75 muutsvene nokururama pamberi pake mazuva edu ose.
76 "Uye iwe, mwana wangu, uchanzi muprofita weWokumusoro-soro;
nokuti uchatungamira pamberi paShe kuti umugadzirire nzira,
77 kuti ape vanhu vake ruzivo rworuponeso kubudikidza
nokuregererwa kwezvivi zvavo,
78 nokuda kwomwoyo munyoro waMwari wedu,
naye zuva richatibudira richibva kudenga,
79 kuti rivhenekere pamusoro paavo vagere murima
nomumumvuri worufu,
uye kuti usesedze tsoka dzedu munzira yorugare."