Mufananidzo woMuSamaria Akanaka
25 Mumwe musi mududziri womurayiro akasimuka kuti aedze Jesu. Akati, "Mudzidzisi ndinofanira kuiteiko kuti ndiwane nhaka youpenyu husingaperi?"
26 Iye akapindura akati, "Mumurayiro makanyorweiko? Unouverenga seiko?"
27 Akapindura akati, " ‘Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, uye nomweya wako wose, uye nesimba rako rose nokufunga kwako kwose,’ uye ‘Ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe.’ "
28 Jesu akapindura akati, "Wapindura zvakanaka. Ita izvozvo ugorarama."