Mufananidzo weMbeu yeMasitadhi noweMbiriso
18 Ipapo Jesu akavabvunza achiti, "Umambo hwaMwari hwakaita seiko? Ndingahuenzanisa neiko? 19 Hwakaita setsanga yemasitadhi, yakatorwa nomunhu akandoisima mubindu rake. Yakakura ikava muti mukuru, uye shiri dzedenga dzakauya dzikamhara mumatavi awo."