Publicidade

Lucas 17

14 Akati achivaona, akati kwavari, "Endai munozviratidza kuvaprista." Uye pavaienda, vakabva vanatswa.

15 Mumwe wavo akati aona kuti akanga aporeswa, akadzoka achirumbidza Mwari nenzwi guru. 16 Akazviwisira patsoka dzaJesu akamuvonga. Uye akanga ari muSamaria.

17 Jesu akati, "Ko, havasi vose gumi vakaporeswa here? Ko, vamwe vapfumbamwe varipi? 18 Kwashayikwa mumwe woga adzoka akazorumbidza Mwari kunze kwouyu mutorwa here?" 19 Ipapo akati kwaari, "Simuka uende; kutenda kwako kwakuporesa."

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-28_14-13-17-