Pular para o conteúdo
Publicidade

Ruka 18

Mufananidzo weChirikadzi Yakatsungirira

1 Ipapo Jesu akaudza vadzidzi vake mufananidzo wokuvaratidza kuti vaifanira kunyengetera nguva dzose vasingaori mwoyo. 2 Akati, "Mune rimwe guta maiva nomutongi akanga asingatyi Mwari uye asina hanya navanhu. 3 Uye muguta imomo maiva nechirikadzi yakaramba ichiuya kwaari nechikumbiro ichiti, Ndiruramisireiwo kumuvengi wangu.

4 "Kwechinguva akamboramba. Asi pakupedzisira akati mumwoyo make, Kunyange dai ndisingatyi Mwari uye ndisina hanya navanhu, 5 asi nokuda kwokuti chirikadzi iyi inoramba ichindinetsa, ndinofanira kuiruramisira, kuitira kuti arege kuzoramba achindinetsa nokuuya kwake!’ "

6 Zvino Ishe akati, "Inzwai zvinotaurwa nomutongi asakarurama. 7 Ko, zvino Mwari haangaruramisiri vasanangurwa vake, vanodanidzira kwaari masikati nousiku here? Acharamba achivadzosa here? 8 Ndinoti kwamuri, achaona kuti varuramisirwa, uye nokukurumidza. Kunyange zvakadaro hazvo, kana Mwanakomana woMunhu achisvika, achawana kutenda panyika here?"

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.

Veja também