Pular para o conteúdo
Publicidade

Lucas 19

Zakeo, Muteresi

1 Jesu akapinda muJeriko uye akanga achipfuura nomo. 2 Maiva nomurume ainzi Zakeo; akanga ari mukuru wavateresi uye akanga akapfuma kwazvo. 3 Akauya achida kuona Jesu kuti ndiani, asi nokuda kwokuti akanga ari munhu mupfupi, akatadza kuona nokuda kwavanhu vazhinji. 4 Nokudaro akamhanyira mberi akandokwira mumuti womuonde kuti amuone, sezvo Jesu akanga achienda naipapo.

5 Jesu akati asvika panzvimbo iyoyo, akatarisa kumusoro ndokuti kwaari, "Zakeo, buruka nokukurumidza. Ndinofanira kunogara mumba mako nhasi." 6 Saka akakurumidza kuburuka akamugamuchira nomufaro.

7 Vanhu vose vakaona izvi vakatanga kugununʼuna vachiti, "Aenda kunova mueni womutadzi.’ "

8 Asi Zakeo akasimuka akamira pamberi paShe akati, "Tarirai, Ishe! Pano, uye iye zvino, ndinopa hafu yepfuma yangu kuvarombo, uye kana ndakanyengera ani zvake pachinhu chipi zvacho, ndichadzosera zvava zvina."

9 Jesu akati kwaari, "Nhasi ruponeso rwasvika mumba muno, nokuti murume uyu mwanakomanawo waAbhurahama. 10 Nokuti Mwanakomana woMunhu akauya kuzotsvaka nokuponesa chakarasika."

Veja também