Publicidade

Lucas 19

28 Shure kwokunge Jesu ataura izvi, akapfuurira mberi, akakwidza kuJerusarema. 29 Akati asvika kuBhetifage neBhetania paGomo reMiorivhi, akatuma vadzidzi vake vaviri achiti, 30 "Endai kumusha wakatarisana nemi, uye pamunongopindamo, muchawana mwana wembongoro asina kumbotasvwa nomunhu akasungirirwamo. Muisunungure mugouya nayo pano. 31 Kana pane munhu anokubvunzai achiti, ‘Seiko muchiisunungura?’ muvaudze kuti, ‘Ishe anoida.’ "

32 Vaya vakanga vatumwa mberi vakaenda vakandowana zvakaita sezvaakanga avaudza chaizvo. 33 Pavakanga vachisunungura mwana wembongoro uyu, muridzi wacho akavabvunza akati, "Seiko muchisunungura mwana wembongoro uyu?"

34 Ivo vakamupindura vakati, "Ishe anoida."

35 Vakauya nayo kuna Jesu, vakaisa nguo dzavo pamusoro pomwana wembongoro ndokubva vakwidza Jesu pairi. 36 Paakanga achifamba, vanhu vakawaridzira nguo dzavo mumigwagwa.

37 Akati asvika pedyo nenzvimbo ine nzira yaitenukira paGomo reMiorivhi, vazhinji vose vavadzidzi vakatanga kupembera vachirumbidza Mwari namanzwi makuru nokuda kwezviratidzo zvose zvavakanga vaona, vachiti:

38 "Akaropafadzwa mambo anouya muzita raShe!"

"Rugare ngaruve kudenga, nokubwinya kumusoro-soro!"

39 Vamwe vaFarisi vakanga vari pakati pavanhu vazhinji vakati kuna Jesu, "Mudzidzisi, tsiurai vadzidzi venyu!"

40 Akapindura akati, "Ndinokuudzai kuti, kana vakanyarara, matombo achadanidzira."

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-20_17-16-08-