Kudanwa kwaVadzidzi Vokutanga
1 Rimwe zuva Jesu zvaakanga amire paGungwa reGenesareti, vanhu vakaungana vakamukomberedza vachiteerera kushoko raMwari, 2 uye akaona magwa maviri kumhenderekedzo dzegungwa, akanga asiyiwapo navabati vehove, vakanga vachisuka mambure avo. 3 Akakwira mune rimwe ramagwa acho, rakanga riri raSimoni, akamukumbira kuti ariswededze zvishoma kumahombekombe. Ipapo akagara pasi akadzidzisa vanhu ari mugwa.
4 Akati apedza kutaura, akati kuna Simoni, "Chiriswededza kwakadzika ugokanda usvasvi ubate hove."
5 Simoni akapindura akati, "Tenzi, takashanda zvakaoma usiku hwose uye hatina kubata chinhu. Asi sezvamadaro imi, ndichakanda hangu mambure."
6 Vakati vaita saizvozvo, vakabata hove zhinji kwazvo uye mambure avo akatanga kubvaruka. 7 Saka vakaninira vamwe vavo vakanga vari mune rimwe igwa kuti vauye vazovabatsira, ivo vakauya vakazadza magwa ose ari maviri; akazara zvokuti akatanga kunyura.
8 Simoni Petro akati achiona izvi, akawira pamabvi aJesu akati, "Ibvai kwandiri, Ishe; ndiri mutadzi!" 9 Nokuti iye neshamwari dzake vakashama kwazvo nokuda kwehove dzavakanga vabata, 10 uye vanaJakobho naJohani, vanakomana vaZebhedhi, vamwe vaSimoni, vakashamawo.
Ipapo Jesu akati kuna Simoni, "Usatya; kubva zvino uchava mubati wavanhu." 11 Saka vakakwevera magwa avo kumahombekombe, vakasiya zvose uye vakamutevera.