31 "Zvino, ndingafananidza rudzi rwakadai neiko? Vakafanana neiko? 32 Vakaita savana vagere pamusika vachidanidzira kuno mumwe nomumwe wavo vachiti:
" ‘Takakuridzirai hwamanda,
asi hamuna kutamba;
takaimba rwiyo rworufu,
uye hamuna kuchema.’
33 Nokuti Johani Mubhabhatidzi akauya asingadyi chingwa uye asinganwi waini, imi mukati, ‘Ane dhimoni.’ 34 Mwanakomana woMunhu akauya achidya uye achinwa, imi mukati, ‘Houno munhu wamadyo uye chidhakwa, shamwari yavateresi na"vatadzi".’ 35 Asi uchenjeri hunoratidzwa navana vahwo vose."
Jesu Anozodzwa Mafuta noMukadzi Mutadzi
36 Zvino mumwe wavaFarisi akakoka Jesu kuti azodya naye, saka akaenda kumba kwomuFarisi uyu akandogara kuti adye. 37 Mumwe mukadzi womuguta umu akanga achirarama muzvivi akati anzwa kuti Jesu akanga agere pakudya mumba momuFarisi, akauya nechinu chamafuta anonhuhwira chearabhasta,