Pular para o conteúdo
Publicidade

Ruka 8

Jesu Anonyaradza Dutu

22 Rimwe zuva Jesu akati kuvadzidzi vake, "Ngatiyambukirei mhiri kwegungwa." Naizvozvo vakapinda mugwa vakatanga kufamba. 23 Pavakanga vachifamba, akavata. Dutu guru rakauya mugungwa, zvokuti igwa rakanga rava kunyura, uye vakanga vava munjodzi huru.

24 Vadzidzi vakaenda vakandomumutsa vachiti, "Tenzi, Tenzi, tava kunyura!"

Ipapo akamuka akarayira mhepo namafungu emvura zhinji, dutu rikaserera, uye kukadzikama kwazvo. 25 Akabvunza vadzidzi vake akati, "Kutenda kwenyu kuripiko?"

Mukutya kwavo nokushamiswa kwavo, vakabvunzana pakati pavo vachiti, "Ndianiko uyu? Anorayira kunyange mhepo nemvura zvichimuteerera."

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.

Veja também