Pular para o conteúdo
Publicidade

Lucas 8

43 Uye paiva nomumwe mukadzi aiva nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri, asi kusina munhu aigona kumuporesa. 44 Akauya neshure kwaJesu akabata mupendero wenguo yake, pakarepo kubuda kweropa kukabva kwaguma.

45 Jesu akati, "Ndianiko andibata?"

Vose vakati varamba kubvuma, Petro akati, "Tenzi, vanhu vari kukumomoterai nokukutsimbirirai."

46 Asi Jesu akati, "Pane mumwe andibata; ndinoziva nokuti simba rabuda mandiri."

47 Ipapo mukadzi akati aona kuti haangavandi, akauya achidedera akasvikowira patsoka dzake. Pamberi pavanhu vose akamuudza kuti sei akanga amubata, uye kuti akanga apora sei pakarepo. 48 Ipapo akati kwaari, "Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare."

Veja também