Pular para o conteúdo
Publicidade

Ruka 9

Jesu Anotuma Vane Gumi naVaviri

1 Jesu akati aunganidza vane Gumi naVaviri vake pamwe chete, akavapa simba nechikuriri kuti vadzinge madhimoni uye vaporese vakanga vane zvirwere, 2 akavatuma kuti vandoparidza umambo hwaMwari uye vandoporesa vairwara. 3 Akavarayira achiti, "Musatakura chinhu parwendo, mudonzvo, kana hombodo, kana chingwa, kana mari, kana imwe nguo. 4 Muimba ipi neipi yamunopinda, mugaremo kusvikira mabva muguta imomo. 5 Kana vanhu vasingakugamuchiriyi, muzunze guruva retsoka dzenyu pamunenge mabuda muguta ravo, chive chapupu pamusoro pavo." 6 Saka vakasimuka vakabuda vakaenda kumusha nomusha, vachiparidza vhangeri nokuporesa vanhu kwose kwose.

Veja também