Chikumbiro chaJakobho naJohani
35 Ipapo Jakobho naJohani vanakomana vaZebhedhi, vakauya kwaari, vakati, "Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire zvose zvose zvatinokumbira."
36 Akavabvunza akati, "Munoda kuti ndikuitireiko?"
37 Vakapindura vakati, "Titenderei kuti mumwe wedu agare kuruoko rwenyu rworudyi uye mumwe kuruboshwe rwenyu mukubwinya kwenyu."