4 Ivo vakati, "Mozisi akatendera murume kuti anyore tsamba yokurambana uye agomuendesa."
5 Jesu akapindura akati, "Nokuti mwoyo yenyu yakanga iri mikukutu, Mozisi akakunyorerai murayiro uyu. 6 Asi kubvira kumavambo okusikwa kwezvinhu, Mwari ‘akavaita murume nomukadzi.’ 7 Nokuda kwaizvozvi, murume achasiya baba vake namai vake uye agonamatira kumukadzi wake, 8 uye vaviri ava vachava nyama imwe. Saka havachisiri vaviri, asi nyama imwe. 9 Naizvozvo izvo zvabatanidzwa naMwari, munhu ngaarege kuzviparadzanisa."