1 Pavakanga vava kusvika kuJerusarema uye vasvika kuBhetifage neBhetani paGomo reMiorivhi, Jesu akatuma vaviri vavadzidzi vake, 2 achiti kwavari, "Endai mumusha wakatarisana nemi. Pamunongopinda mauri, muchawana mwana wembongoro asina kumbotasvwa nomunhu, akasungirirwa ipapo. Mumusunungure mugouya naye pano. 3 Kana mukabvunzwa nomunhu kuti, ‘Seiko muchiita izvi?’ muti kwaari, ‘Ishe anomuda uye achamudzosa pano nokukurumidza.’ "
4 Vakaenda vakandowana mwana wembongoro ari kunze munzira yomumusha, akasungirirwa pamukova. Pavakamusunungura, 5 vamwe vanhu vakanga vamirepo vakabvunza vakati, "Muri kuitei, muchisunungura mwana wembongoro uyo?" 6 Vakapindura sezvavakanga vaudzwa naJesu, uye vanhu vakavarega vachienda. 7 Vakauya nembongoro iyi kuna Jesu vakakanda majasi avo pamusoro payo, iye akagara pairi. 8 Vanhu vazhinji vakawaridza majasi avo mumigwagwa, vamwe vakawaridza matavi avakanga vatema musango. 9 Vakanga vari mberi navaya vaitevera vakadanidzira vachiti:
"Hosana!"
"Akaropafadzwa uyo anouya muzita raShe!"
10 "Hwakaropafadzwa umambo hunouya, hwababa vedu Dhavhidhi!"
"Hosana kumusoro-soro!"
11 Jesu akapinda muJerusarema uye akaenda kutemberi. Akatarisa-tarisa zvinhu zvose, asi sezvo kwakanga kwadoka, akabuda akaenda kuBhetani navane gumi navaviri.