Pular para o conteúdo
Publicidade

Marcos 3

1 Pane imwe nguva akapinda musinagoge, uye imomo makanga mune murume akanga ane ruoko rwakanga rwakakokonyara. 2 Vamwe vavo vakanga vachitsvaka mhosva yavangapomera Jesu, saka vakamutarisisa kuti vaone kana aizomuporesa nomusi weSabata. 3 Jesu akati kumurume akanga ane ruoko rwakakokonyara, "Simuka umire pamberi pavanhu vose."

4 Ipapo Jesu akavabvunza akati, "Ndezvipiko zvinotenderwa nomusi weSabata: kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa munhu kana kuuraya?" Asi vakaramba vanyerere.

5 Atsamwa, akatarisa vanhu vose vakanga vakamukomberedza, uye ashungurudzwa nokuda kwokusindimara kwemwoyo yavo akati kumurume uya, "Tambanudza ruoko rwako." Akarutambanudza, uye ruoko rwake rukaporeswa.

Veja também