Mai vaJesu naVanunʼuna Vake
31 Ipapo mai vaJesu navanunʼuna vake vakauya. Vakatuma munhu kundomudana ivo vamire panze. 32 Vazhinji vakanga vagere vakamukomberedza, uye vakati kwaari, "Mai venyu navanunʼuna venyu vari kukutsvakai panze."
33 Iye akati, "Vanamai vangu navanunʼuna vangu ndivanaaniko?"
34 Ipapo akatarisa kuna avo vakanga vagere vakaita denderedzwa vakamupoteredza akati, "Ava ndivo mai vangu navanunʼuna vangu! 35 Ani naani anoita kuda kwaMwari ndiye mununʼuna wangu nehanzvadzi, uye namai vangu."