Pular para o conteúdo
Publicidade

Mako 5

35 Jesu achiri kutaura, vamwe varume vakauya vachibva kumba kwaJairosi, mukuru wesinagoge. Vakati, "Mwanasikana wenyu afa. Muchanetsereiko mudzidzisi?"

36 Asina hanya nezvavakanga vataura, Jesu akati kumukuru wesinagoge, "Usatya; tenda bedzi."

37 Haana kutendera mumwe munhu kuti amutevere kunze kwaPetro, Jakobho naJohani mununʼuna waJakobho. 38 Vakati vasvika pamba pomukuru wesinagoge, Jesu akanzwa mheremhere, vanhu vachichema nokuungudza zvikuru. 39 Akapinda akati kwavari, "Ko, mheremhere ndeyeiko nokuungudza uku? Mwana haana kufa asi avete." 40 Asi vakamuseka.

Mushure mokunge avabudisa vose panze, akatora baba namai vomwana navadzidzi vaakanga anavo, akapinda makanga muno mwana. 41 Akamubata noruoko akati kwaari, "Tarita kumi!" (zvichireva kuti, "Musikana, ndinoti kwauri, muka!") 42 Pakarepo musikana akasimuka akafamba-famba (akanga ana makore gumi namaviri okuberekwa). Nokuda kwaizvozvi, vakashamiswa zvikuru. 43 Akarayira nokurayira kukuru kuti parege kuva nomunhu anoziva nezvazvo, uye akavaudza kuti vamupe zvokudya.

Veja também