Pular para o conteúdo
Publicidade

Marcos 5

38 Vakati vasvika pamba pomukuru wesinagoge, Jesu akanzwa mheremhere, vanhu vachichema nokuungudza zvikuru. 39 Akapinda akati kwavari, "Ko, mheremhere ndeyeiko nokuungudza uku? Mwana haana kufa asi avete." 40 Asi vakamuseka.

Mushure mokunge avabudisa vose panze, akatora baba namai vomwana navadzidzi vaakanga anavo, akapinda makanga muno mwana. 41 Akamubata noruoko akati kwaari, "Tarita kumi!" (zvichireva kuti, "Musikana, ndinoti kwauri, muka!") 42 Pakarepo musikana akasimuka akafamba-famba (akanga ana makore gumi namaviri okuberekwa). Nokuda kwaizvozvi, vakashamiswa zvikuru.

Veja também