Pular para o conteúdo
Publicidade

Marcos 8

Vanhu Zviuru Zvina Vanopiwa Zvokudya naJesu

1 Mumazuva iwayo vamwe vanhu vazhinji zhinji vakaunganazve. Sezvo vakanga vasina zvokudya, Jesu akadana vadzidzi vake kwaari akati, 2 "Ndine urombo kwazvo navanhu ava; atova mazuva matatu vaneni uye havana chokudya. 3 Kana ndikavaendesa vane nzara kumisha yavo, vachaziya vakawira pasi nenzara munzira, nokuti vamwe vavo vakabva kure."

4 Vadzidzi vake vakati, "Asi munhu angawanepiko murenje muno zvingwa zvavangapiwa vakaguta?"

5 Jesu akati kwavari, "Mune zvingwa zvinganiko?"

Vakati, "Zvinomwe."

6 Akaudza vanhu vazhinji ava kuti vagare pasi. Akati atora zvingwa zvinomwe uye akavonga, akazvimedura akazvipa kuvadzidzi vake kuti vaise pamberi pavanhu, uye vakaita saizvozvo. 7 Vakanga vane hove duku shoma shoma zvakare; uye akavongazve akaudza vadzidzi kuti vadzigovere kuvanhu. 8 Vanhu vakadya uye vakaguta. Shure kwaizvozvo vadzidzi vakanonga matengu manomwe azere ezvimedu. 9 Pakanga pane varume vangangosvika zviuru zvina. Uye akati avaendesa,

Veja também