Pular para o conteúdo
Publicidade

Marcos 8

Kuporeswa kweBofu paBhetisaidha

22 Vakasvika kuBhetisaidha, uye vamwe vanhu vakauya nomurume akanga ari bofu uye vakakumbira zvikuru kuti Jesu amubate. 23 Akabata murume akanga ari bofu noruoko akamutungamirira kunze kwomusha. Akati apfira mate pamaziso ake Jesu akaisa maoko ake pamusoro pake, akamubvunza akati, "Pane zvauri kuona here?"

24 Iye akatarisa kumusoro akati, "Ndinoona vanhu; vanotarisika semiti inofamba-famba."

25 Jesu akaisazve maoko ake pameso omurume uyu. Ipapo meso ake akasvinudzwa, akadzorerwa kuona kwake, uye akaona zvinhu zvose zvakanaka. 26 Jesu akamuendesa kumba achiti, "Usapinda mumusha."

Veja também