Publicidade

Marcos 8

34 Ipapo akadana vanhu vazhinji kwaari pamwe chete navadzidzi vake akati, "Kana munhu upi zvake achida kunditevera, anofanira kuzviramba, atakure muchinjikwa wake agonditevera. 35 Nokuti ani naani anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu uye nokuda kwevhangeri achahuponesa. 36 Munhu achabatsirweiko kana akawana nyika yose, asi akarasikirwa noupenyu hwake? 37 Kana kuti munhu angaripeiko kuti adzikinure upenyu hwake? 38 Kana munhu achinyadziswa neni uye namashoko angu murudzi urwu rwoufeve uye runotadza, Mwanakomana woMunhu achanyadziswawo naye paanouya mukubwinya kwaBaba nokwavatumwa vatsvene."

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-22_10-02-25-