8 "Ko, munhu angabire Mwari here? Kunyange zvakadaro munondibira.
"Asi munobvunza muchiti, ‘Tinokubirai pane zvipi?’
"Pazvegumi nezvipiriso. 9 Makatukwa, rudzi rwenyu rwose, nokuti muri kundibira. 10 Uyai nezvegumi zvose kudura, kuti mumba mangu mugova nezvokudya. Ndiedzei muna izvozvi," ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, "muone kana ndisingakuzarurirei mawindo okudenga, uye ndigokudururirai maropafadzo mazhinji zvokuti muchashayiwa pokuaisa.