Publicidade

Mateus 12

Chiratidzo chaJona

38 Ipapo vamwe vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakati kwaari, "Mudzidzisi, tinoda kuona chiratidzo chechishamiso kubva kwamuri."

39 Akavapindura akati, "Rudzi rwakaipa nerwoupombwe runokumbira chiratidzo! Asi hapana chiratidzo chichapiwa kwarwuri kunze chete kwechiratidzo chomuprofita Jona. 40 Nokuti Jona sezvaakaita mazuva matatu nousiku hutatu ari mudumbu rehove huru, saizvozvo Mwanakomana woMunhu achava mumwoyo wenyika kwamazuva matatu nousiku hutatu.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-29_22-07-56-