14 Mavari munozadzisa chiprofita chaIsaya chinoti:
" ‘Muchangoramba muchinzwa asi musinganzwisisi;
muchangoramba muchiona asi musingaonesesi.
15 Nokuti mwoyo yavanhu ava mikukutu,
havatombonzwi nenzeve dzavo,
uye vakatsinzina meso avo.
Zvichida vangaona nameso avo,
vakanzwa nenzeve dzavo,
vakanzwisisa nemwoyo yavo,
vakapinduka, uye ndikavaporesa.’