Pular para o conteúdo
Publicidade

Mateo 13

Mufananidzo woUsvasvi

47 "Zvakare umambo hwokudenga hwakafanana nousvasvi hwakakandwa mugungwa uye hukabata marudzi ose ehove. 48 Pahwakanga hwazara vabati vehove vakahukwevera kunze kumahombekombe. Ipapo vakagara pasi vakasarudza hove dzakanaka vakadziisa mumidziyo, asi dzakaipa vakadzirasa. 49 Izvi ndizvo zvazvichaita pakuguma kwenyika. Vatumwa vachauya vagotsaura vakaipa kubva kune vakarurama, 50 uye vagovakanda muvira romoto, kuchava nokuchema nokurumanya kwameno."

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.

Veja também