29 Iye akati, "Uya."
Ipapo Petro akabuda mugwa akafamba pamusoro pemvura akananga kuna Jesu. 30 Asi akati achiona mhepo ine simba, akatya, ndokubva atanga kunyura, achibva adanidzira achiti, "Ishe, ndiponesei!"
31 Pakarepo Jesu akatambanudza ruoko rwake akamubata, uye akati kwaari, "Iwe wokutenda kuduku, sei wakahadzika?"