Pular para o conteúdo
Publicidade

Mateus 15

32 Jesu akadana vadzidzi vake akati kwavari, "Ndiri kunzwa tsitsi pamusoro pavanhu ava; vanga vachingova neni kwamazuva matatu uye havachina chokudya. Handidi kuti ndivaendese vaine nzara nokuti vangaziya nenzara munzira."

33 Vadzidzi vake vakapindura vachiti, "Ndokupi kwatingawana chingwa chinokwana vanhu vose ava muno musango makadai?"

34 Jesu akabvunza akati, "Mune zvingwa zvingani?"

Ivo vakati, "Tine zvinomwe notuhove tushoma shoma."

35 Akarayira kuti vanhu vose vagare pasi. 36 Ipapo akatora zvingwa zvinomwe zviya nehove dziya, akavonga, akazvimedura ndokuzvipa kuvadzidzi, ivowo ndokupa vanhu vose. 37 Vose vakadya vakaguta. Mushure, vadzidzi vakanhongera zvimedu zvakanga zvasara zvikazadza matengu manomwe. 38 Vanhu vakadya vaiva varume zviuru zvina, vakadzi navana vasingaverengerwi.

Veja também