Pular para o conteúdo
Publicidade

Mateo 16

Petro Anopupura Kuti Jesu Ndiye Kristu

13 Jesu akati asvika kudunhu reKesaria Firipi, akabvunza vadzidzi vake akati, "Vanhu vanoti Mwanakomana woMunhu ndiani?"

14 Vakati, "Vamwe vanoti Johani Mubhabhatidzi, vamwewo vanoti Eria, vamwewo vachiti Jeremia kana mumwe wavaprofita."

15 Akabvunza akati, "Ko, imi munoti ndini ani?"

16 Simoni Petro akapindura akati, "Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu."

Estes versículos te tocaram? Ore agora!

+581 estão orando agora.

Junte-se à corrente de oração.

Veja também